1Bhuku redzinza raJesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama.
2Abhurahama wakabereka Isaka; Isaka ndokubereka Jakobho; Jakobho ndokubereka Judha nevanakomana vababa vake;
3Judha ndokubereka Faresi naZara kuna Tamari; Faresi ndokubereka Esiromi; Esiromi ndokubereka Arami;
4Arami ndokubereka Aminadhabhi; Aminadhabhi ndokubereka Naashoni; Naashoni ndokubereka Sarimoni;
5Sarimoni ndokubereka Bhowazi kuna Rahabhi; Bhowazi ndokubereka Obhedhi kuna Rute; Obhedhi ndokubereka Jese;
6Jese ndokubereka Dhavhidhi mambo; Dhavhidhi mambo ndokubereka Soromoni kumukadziwaiva waUria;
7Soromoni ndokubereka Robhoami; Robhoami ndokubereka Abhiya; Abhiya ndokubereka Asa;
8Asa ndokubereka Josafati; Josafati ndokubereka Joramu; Joramu ndokubereka Oziasi;
9Oziasi ndokubereka Jotamu; Jotamu ndokubereka Akazi; Akazi ndokubereka Hezekia;
10Hezekia ndokubereka Manase; Manase ndokubereka Amoni; Amoni ndokubereka Josiyasi;
11Josiyasi ndokubereka Jekoniasi nevanakomana vamai vake nenguva yekutapirwa kuBhabhironi.
12Zvino shure kwekutapirwa kuBhabhironi, Jekoniasi wakabereka Saratieri; Saratieri ndokubereka Zerubhabheri;
13Zerubhabheri ndokubereka Abhiudhi; Abhiudhi ndokubereka Eriakimi; Eriakimi ndokubereka Azori;
14Azori ndokubereka Sadhoki; Sadhoki ndokubereka Akimi; Akimi ndokubereka Eriyudhi;
15Eriyudhi ndokubereka Eriazari; Eriazari ndokubereka Matani; Matani ndokubereka Jakobho;
16Jakobho ndokubereka Josefa murume waMaria, kwakazvarwa kwaari Jesu, anonzi Kristu.
|
23Zvino iye Jesu wakange achitanga kuva nemakore anenge makumi matatu, ari (sezvaifungidzirwa) mwanakomana waJosefa, waHeri,
24waMatati, waRevhi, waMeriki, waJanai, waJosefa,
25waMatatiasi, waAmosi, waNaumi, waEsiri, waNagai,
26waMaati, waMatatiasi, waSimeyi, waJosefa, waJudha,
27waJohwana, waResa, waZerubhabheri, waSaratieri, waNeri,
28waMeriki, waAdhi, waKosamu, waErimodhamu, waEri,
29waJose, waEriezeri, waJorimu, waMatati, waRevhi,
30waSimioni, waJudha, waJosefa, waJonanu, waEriakimu,
31waMerea, waMenani, waMatata, waNatani, waDhavhidhi,
32waJese, waObhedhi, waBhowazi, waSarimoni, waNaashoni,
33waAminadhabhi, waAramu, waEsiromi, waFaresi, waJudha,
34waJakobho, waIsaka, waAbhurahama, waTera, waNahori,
35waSerugi, waRagau, waFareki, waEberi, waSara,
36waKainani, waArifakisadhi, waSemu, waNowa, waRameki,
37waMatusara, waEnoki, waJaredhi, waMarereeri, waKainani,
38waEnosi, waSeti, waAdhamu, waMwari.
|
1Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
2Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
3Zvinhu zvese zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
4Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
5uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
|
9Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe anouya panyika.
10Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
|
14Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe ega waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
|